Accessibility links

Breaking News

Zambuko reKazungula Rozeyiwa neZvaro


Emmerson Mnangagwa naVaIan Khama
Emmerson Mnangagwa naVaIan Khama

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kupesana pfungwa panyaya yekuti Zimbabwe inowana chouviri here pazambuko reKazungula kana kuti kwete.

Zambuko iri riri pakati peZimbabwe, Zambia neBotswana.

Zimbabwe iyo yakange yambobuda mumushandirapamwe neBotswana neZambia muna 2010 inoti yakazoona zvakakosha kuti ipindezve muhurongwa uhu.

Nemusi weSvondo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakabatana nemutungamiri wenyika yeBotswana, VaIan Khama, uye mutungamiri weZambia, VaEdgar Lungu, kuti vaone zvaitwa pari zvino pakuvakwa kwezambuko reKazungula riri pakati penyika nhatu idzi.

Asi nekuda kwekusawirana nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zambuko iri riri kuvakwa richinyenyeredza Zimbabwe richienda kuNamibia zvishoma. Izvi zvapa kuti mari yekurivaka iwande sezvo rakazowedzera nemamwe makiromita mazana matatu.

VaMnangagwa mushure memusangano naVaKhama vakati vaida kuti Zimbabwe idzoke muhurongwa uhu.

Chibvumirano chiripo ndechekuti Zimbabwe ipinde muchikamu chepiri apo ichavakirwa One Stop Border Post kudivi reBotswana.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano re Confederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti zvakaitwa naVaMnangagwa zvinokudzwa zvikuru.

Nyanzvi munyaya dzezvezvehupfumi vari mukuru wezvedzidzo paZimbabwe Ezekiel Gutu University Doctor Gift Mugano vanoti zambuko iri rakakosha kuZimbabwe.

Asi Doctor Mugano vatiwo zvakakosha kuti Zimbabwe isangoti yapinda muchibvumirano asi isingakwanise kushandisa zambuko iri nemazvo.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri wePeople's Democratic Party, uye vari vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, avo vati zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise mugwagwa weHarare Chirundu sezvo uri iwo ungabatsira mukupundutsa nyika.

Doctor Mugano vanoti kuti Zimbabwe ibudirire zvinotoda kuti nyika ive nezvivakwa zvakaita semazambuko aya uye migwagwa.

Asi VaJokonya vanoti kunyangwe mugwagwa weHarare kusvika kuBeitbridge wakakosha, zambuko reKazungula harifanire kutarisirwa pasi.

Zambuko reKazungula riri kutarisirwa kushandisa mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu emadhora uye chikwereti kubva kukambani yekuJapan yeInternational Cooperation, African Development Bank neEU-Africa Infrastructure Trust Fund.

Kuvakwa kwezambuko iri kuri muzvikamu zvitatu, chekutanga izambuko rine njanji yakareba makiromita mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nematatu, chikamu chechipiri ndeche One Stop Border Post kuBotswana chekupedzisira kuZambia.

Zvose zvinoda kuitwa zvinotarisira kupera muna Zvita gore rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG