Accessibility links

Breaking News

Vashandi Voratidzira Vachiti Bazi Ravo Rizere Huori


VaObert Mpofu

Vashandi vebazi rezvekupinda nekubuda kwezvinhu munyika, kana kuti immigration department nemusi weChishanu vakaratidzira muHarare vachiti vakuru vakuru vebazi iri vari kutyora kodzero dzevashandi uye kuita zvehuori.

Vashandi ava vatiwo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kuti vapindire sezvo makurukota ehurumende asina zvaari kuita mukugadzirisa nyaya iyi.

Vesangano reZCTU, Tajamuka nemamwe masangano anorwira kodzero dzevashandi vakabatana nevashandi ava mukuratidzira uku.

Varatidziri ava vanoti vaita izvi sezvo ano ari mazuva akanangana nekuchengetedza kodzero dzemadzimai kana kuti 16 Days of Activism Against Gender Based Violence.

Mumwe mushandi ange ari pakuratidzira uku, VaRobert William, vati mapurisa aimbenge avarambidza kuratidzira uku asi vakaramba vakamira semusambangwena.

Vashandi ava vanoti kutyorwa kwekodzero dzavo kwave nemakore kubva vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari panyanga kusvika ikozvino.

Vanoti vakayedzawo kutaura nevaive makurukota vanosanganisira VaIgnatious Chombo vasati vabviswa, VaKembo Mohadi vave mutevedzeri wemutungamiri wenyika, uye gurukota idzva rezvemukati menyika, VaObert Mpofu.

Amai Shilla Moyo vanoti mumwe mukuru wepakambani iyi akavaita tanga wandida asi pavakaramba vakange vazvisikira moto muziso.

Vati vakayedzawo kumhan’ara nyaya yavo asi zvakakona n’anga murapwa achida.

VaPeter Chirume, avo vakamiswa basa vachinzi vakapinza vamwe vanhu vekuPakistan munyika zvisiri pamutemo, vanoti kubazi iri kuri kuitwa huori hunotyisa.

Asi vachipindura nyaya idzi, vanoona nezvekuferefetwa kwenyaya dzehuwori muZimbabwe Anti-Corruption Commission, VaGoodson Nguni, vati vashandi kana vaine zvichemo vanofanira kuenda kudare revashandi reLabour Court.

Panyaya yehuwori, VaNguni vati hapana humbowo hwakati tsvikiti hwavapihwa nevashandi ava.

VaMpofu vanoti havasati vapihwa tsamba yenyunyuto nevashandi ava sezvo vange vamboenda kuBotswana uye ikozvino vari kuMatabeleland North nemutungamiri wenyika, VaMnangagwa, nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, kwavari kuita misangano yehurumende nebato.

Vakuru vekubazi iri vari kupomerwa mhosva dzose idzi ndiVaClement Masango, VaGivemore Mahachi naVaSteven Museki.

Studio7 yakundikana kubata vanhu ava sezvo vange vasingadaire nharembozha dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG