Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, varamba mashoko ekuti hurumende ine chekuita nekurohwa kunonzi kwakaitwa VaMakomborero Haruzivishe avo vakapa humbowo kukomisheni iri kutungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaKgalema Mothlante.