Accessibility links

Breaking News

Bazi reMari Rokokera Musangano weBhajeti ra2019 kuBulawayo


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Kutanga nemusi weChitatu matare anoti repamusoro reSenate nereHouse of Assembly achapinda mumusangano wekuzeya nyaya yebhajeti regore rinouya uchange ichikokerwa nebazi rezvemari.

Musangano uyu uri kuitirwa muBulawayo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nemamiriro akaita zvinhu munyika, bhajeti iri igangaidzwa kumukwenyi mhezi yawawira mudumbu kugurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Musangano uyu uri kutanga neChitatu kusvika musi weSvondo, uye nhengo dzose dzedare reparamende dziri kutarisirwa kuti dzinge dziripo.

Hurumende pari zvino iri kukwereta mari yakawandisa kuti iyedze kuzadzikisa mabasa ayo. Mari iyi iri kukweretwa munyika nekunze,uye chikwereti ichi chinonzi chava kusvika pamabhiroyoni makumi maviri emadhora.

Izvi zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi zviri kupa kuti Zimbabwe ikundikane kubuda mumadhaka mairi munyaya dzezvehupfumi.

Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende, VaPupurai Togarepi, vanoti bato ravo rinoda kuti pazeyiwe nyaya dzekubatsira varombo kunyanya.

Panyaya yekuti hurumende iri kushandisa mari yakawandisa, VaTogarepi vati chiri kuda kuitwa chete kuwedzera mari dziri kupinda muhomwe yehurumende.

Asi vaive gurukota muhurumende yemubatanidzwa vachiona nezvegwara rehupfumi vari nhengo yeMDC, VaTapiwa Mashakada, vanoti havaone paine chinobuda pabhajeti iri.

Masangano evarairidzi anoti ari kuda kuti hurumende ivape mari ichishandisa madhora ekuAmerica sezvo mari yemaRTGS isisina simba.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti hurumende inofanira kukoshesa nyaya dzehutano.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanotiwo hurumende inofanira kudzikisa mari yairi kushandisa.

Vatiwo panofanira kujekeswa kuti VaNcube vachabhadhara sei zvikwereti zvehurumende.

Bhajeti iri riri kutarisirwa kuparuwa mwedzi uno ndiro rekutanga richaparurwa naVaNcube uye rakatarisirwa nevanhu vakawanda.

VaNcube vakatozivisa kare kuti vanoda kuderedza mari iri kushandiswa nehurumende uye kugumura vamwe vashandi vehurumende basa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG