Accessibility links

Breaking News

Gavhuna Mangudya Vobvuma Dambudziko Riri Kukonzerwa neRTGS


Doctor John Mangudya
Doctor John Mangudya

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vakazobvuma zvagara zvichitaurwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzakawanda zvekuti mari iri kushandiswa yeReal Time Gross Settlement kana kuti RTGS haina mari chaiyo inoitsigira. Mari iyi inoshandiswa mumakadhi emumabhanga kunyanya.

VaMangudya vakataura mashoko aya kuBulawayo nemusi weChina pamusangano nenhengo dzedare reparamende dziri kuzeya nyaya yebhajeti regore rinouya.

Doctor Mangudya vanoti mari yeRTGS iri kutenderera nyika inosvika mabhiriyoni gumi emadhora.

Mabhanga makuru anokweretesa mari akaita seInternational Monetary F neWorld Bank agarawo achiyambira hurumende kuti idzikise mari yairi kushandisa.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti vachayedza kudzikisa mari iri kushandiswa nehurumende mubhajeti regore rinouya.

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vaudza Studio7 kuti vanotsigira mashoko aVaMangudya sezvo hurumende iri iyo iri kukwereta mari yakawanda zvisinei neRBZ.

Hurukurona naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG