Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vakazobvuma zvagara zvichitaurwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzakawanda zvekuti mari iri kushandiswa yeReal Time Gross Settlement kana kuti RTGS haina mari chaiyo inoitsigira. Mari iyi inoshandiswa mumakadhi emumabhanga kunyanya.
VaMangudya vakataura mashoko aya kuBulawayo nemusi weChina pamusangano nenhengo dzedare reparamende dziri kuzeya nyaya yebhajeti regore rinouya.
Doctor Mangudya vanoti mari yeRTGS iri kutenderera nyika inosvika mabhiriyoni gumi emadhora.
Mabhanga makuru anokweretesa mari akaita seInternational Monetary F neWorld Bank agarawo achiyambira hurumende kuti idzikise mari yairi kushandisa.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti vachayedza kudzikisa mari iri kushandiswa nehurumende mubhajeti regore rinouya.
Nyazvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vaudza Studio7 kuti vanotsigira mashoko aVaMangudya sezvo hurumende iri iyo iri kukwereta mari yakawanda zvisinei neRBZ.
Facebook Forum