Accessibility links

Breaking News

VaMagaya Vobvunzurudzwa neMapurisa


VaWalter Magaya
VaWalter Magaya

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vanoti muPorofita Walter Magaya vechechi yeProphetic, Healing and Deliverance vari kumbobvunzurudzwa nemapurisa nenyaya yavo yekuti vakawana mushonga wekurapa HIV/AIDS nechirwere chegomarara unonzi AGUMA.

VaMutodi vanyora mashoko aya padandemutande ravo retwitter kuti mapurisa aenda kumahofisi aVaMagaya kunotora mishonga yavo iyi kuti vatange kuita ongororo. Pavabatwa neStudio 7, VaMutodi vatenda kuti VaMagaya vari kuferefetwa.

Mashoko aVaMagaya aunza mutauro wakanyanya munyika vamwe vachiti vanofanira kupihwa nguva asi masangano ose avanachiremba achiti vanofanira kuongororwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG