Accessibility links

Breaking News

WFP Yotarisira Kubatsira Vanhu Vanodarika Mamiriyoni Maviri neChikafu muZimbabwe


WFP
WFP

Bazi reUnited Nations rinoona nezvekudya reWorld Food Program, WFP, ratanga kubatsira vanhu muZimbabwe vanosvika zviuru mazana mana nemakumi matatu asi richitarisira kuti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana vachada rubatsiro zvikuru kumaruwa.

Mumiriri weWFP muHarare, VaEddie Row, vanoti vari kutanga nekupa vanhu vanosvika zviuru zana nemakumi matatu uye vawana mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemaviri emadhora kubva kuAmerica.

Asi huwandu hwevanoda rubatsiro hunowedzera kubva muna Ndira kusvika muna Kurume.

Nyanzvi dzezvemamiriro ekunze dzinotiwo dziri kutarisira kuti vanoda kubatsirwa vachatowedzera kudarika apa sezvo gore rinouya nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzakatarisana nenzara zvichikonzerwa nemhepo inonzi El Nino.

WFP inoti inoda mari inosvika mamiriyoni makumi manomwe nematatu emadhora pamwedzi yekubatsira vanhu vanoti darikei miriyoni imwe chete,.

Mumwe mugari wekuGokwe, VaTapiwa Chuma, vanoti vari kunonga svosve nemuromo munharaunda mavo.

Hurukuro naVaTapiwa Chuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG