Accessibility links

Breaking News

Masangano Makuru emuAmerica Okurudzira Zimbabwe Kuti Ivandudze Maitirwo eSarudzo


Masangano maviri emuAmerica akaongorora sarudzo muZimbabwe anoti reInternational Republican Institute, IRI, neNational Democratic Institute, NDI, ari kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ivandudze zvinhu munyaya dzekubata sarudzo kuitira kuti mune ramangwana musaite mutauro.

Musangano wekuzeya zvakabuda musarudzo uyu wakaitirwa pamahofisi esangano reUnited States Institute of Peace muWashington DC numusi weChina.

Masangano aya anova ekutanga muvaongorori vekunze kupinda munyika ainge ari pasi pemubatanidzwa wesangano rinonzi Zimbabwe International Electoral Observation Mission.

Nechinangwa chekuda kukurudzira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena masangano aya akavimbisa kuti achaongororawo kana sarudzo ye by election muZimbabwe kutanga nedzekwaMutoko.

Sarudzo iyi iri kuitwa musi wa25 Mbudzi.

Vakataura pamusangano uyu vanosanganisira Ambassador Johnnie Carson avo vaimbova mutevedzeri wemunyori mubazi rekudyidzana nenyika dzemuAfrica, reUnited States Assistant Secretary of State for African Affairs; Muzvare Elizabeth Lewis vanova mutevedzeri wemukuru wesangano reIRI muAfrica; vakatungamira chikwata cheZimbabwe International Electoral Observation Mission, Muzvare Jessica Keegan naVaLarry Garber uye mukuru munyaya dzesarudzo musangano reNDI, VaPatrick Merloe.

Vachitaura pamusanganano uyu, VaCarson vakati kuongorora sarudzo kuri muzvikamu zvina; kutanga mukutsvaga rutsigiro, musi wekuvhota, kuverengwa kwemavhoti nekuziviswa kwezvabuda musarudzo uye kutambirwa kana kusatambirwa kwezvinenge zvabuda musarudzo.

VaCarson vakati muZimbabwe zvose izvi hazvina kuitwa nemazvo sezvo painge paine kupindira kwemauto, madzishe uye Zimbabwe Electoral Commission yaisaunzawo chivimbo muvanhu.

VaCarson vanoti pane zvakawanda zvinoda kuvandudzwa mumitemo yesarudzo, uye nyaya iri kupomerwa Zanu-PF mhosva yekushandisa midziyo yehurumende nemamwe mapazi akafanana nemauto.

Muzvare Lewis vakati vakaendesa vanhu vane chiremerera kuZimbabwe senzira yekuratidza kuti vanokoshesa nyika iyi nekuda kuona kuti yaita hutongo hwejekerere.

Vakati chikwata chavo chainge chine vanhu kubva kunyika gumi neimwe kubva kuAfrica, Europe neAmerica.

Vanotiwo vaishanda nemamwe masangano akaita seCommonwealth mukuongorora sarudzo idzi.

VaGarber, avo vakaongorora sarudzo dzemuna 1980 na1985, vakashora nyaya yekudhindwa kwemagwaro ekuvhota vachiti ainge asingaitwe zviri pachena.

Vakatiwo chakapa kuti vanopikisa vasarambe kupinda musarudzo kunyange zvinhu zvainge zvisiri kufamba zvakanaka kwainge kuri kuona kuti pane vaongorori vaiona kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka.

Asi vakatendawo Zimbabwe Electoral Commission nekuburitsa zvimwe zvavaifunga kuti zvainge zvabuda musarudzo zvairatidza kuti VaMnangagwa vainge vakunda musarudzo.

Amai Keegan vakati nyaya yekupfurwa kwevanhu vatanhatu nemauto muHararare musi wa 1 Nyamavhuvhu uye kukandwa kwegirinendhi kumusangano waVaMnangagwa kuBarbourfields zvakakanganisa zvakanyanya chimiro chenyika nemabatirwo esarudzo.

VaMerloe vakati Zimbabwe Electoral Commission inofanira kupihwa zvikwanisiro asi vamwe vakati hurumende ndiyo ine chitsvambe chekuita izvi.

Amai Lewis vanoti vachayedza napose pavanogona napo kuti zvavari kukurudzira zvizadzikiswe munyaya dzesarudzo.

Vachitaurawo pamusangano uyu, VaPhilip Takwana Muyengwa, avo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reYouth Initiatives for Community Development, vakati musangano uyu wanga wakakosha zvikuru.

Munyori anoona nezvemutemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, varamba mashoko ekuti mauto ari kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe-.

Vachitaura nenyaya yezvirango, VaMangwana vati zviri kukanganisa zvakanyanya nyaya yehupfumi muZimbabwe.

VaMangwana varambawo nyaya yekuti Zanu-PF haina zvairi kuita kuyedza kugadzirisa nyaya yesarudzo vachiti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuyedza nepavanogona napo kuvandudza zvinhu.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo vachiti dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Asi veZanu-PF vanoti vakakunda zvine mutsindo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG