Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haineyi neKurohwa kwaVaHaruzivishe


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Monica Mutsvangwa
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Monica Mutsvangwa

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, varamba mashoko ekuti hurumende ine chekuita nekurohwa kunonzi kwakaitwa VaMakomborero Haruzivishe avo vakapa humbowo kukomisheni iri kutungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, yekuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu musi wa1 Nyamavhuvhu.

VaMangwana vaudza Studio 7 kuti mapazi ose ehurumende angave hofisi yevasori kana mamwe ose, haana nechekuita nekurohwa muguta reHarare kwakaitwa VaHaruzivshe avo vaimbove mumwe wevakuru vesangano reZimbabwe National Students Union neChipiri manheru.

VaHaruzivhishe vakapa humbowo kukomiti yaVaMotlanthe vachipomera mhosva hurumende yekupfuura vanhu vairatidzira muHarare vachiti havasi kufara nekunonoka kuburitswa kwezvainge zvabuda musarudzo.

Vamwe vanhu vakangobatanidzirwawo mumhirizhonga iyi.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vakaudza Studio7 kuti VaHaruzivishe vanogona kunge vakarohwa nevanhu vari muhurumende.

Asi VaMangwana vati aya haasi mashoko echokwadi.

VaMangwana vatiwo nyaya dzakadai kana dzichinge dzaitika, munhu anenge arohwa anofanira kuti aende kumapurisa kunomhan’ara.

Vachitaura neStudio7, VaHaruzivishe vati vakamhan’ara nyaya yavo kumapurisa ane musasa muna First Street vasati vanzi vaende kuHarare Central Police Station.

Vatiwo pane vanhu vaivatevera vavanofungidzira kuti vane chekuita nekurohwa kwavo.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vaudza Studio7 kuti havana zvizhinji zvekutaura panyaya iyi sezvo vange vachibva kumusangano kuNyanga.

Asi vati mapurisa kana achinge apirwa nyaya, anoiferefeta.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG