Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF neMasangano Akazvimirira Vozeya Zvingaitwe neSADC Mugakava reZimbabwe


Mutungamiri weNamibia vari sachigaro weSADC VaHage Heingob nenhengo dzeCrisis in Zimbabwe Coalition

Masangano akazvimirira munyika ari mumubatanidzwa weCrisis in Zimbabwe Coalition n ari kukurudzira sangano reSADC kuburikidza nasachigaro waro ari mutungamiri wenyika yeNamibia, VaHage Heingob, kuti vapindire mukuyedza kuunza kuyanana muZimbabwe.

Crisis in Zimbabwe Coalition nemusi weChipiri yakaita musangano naVaHeingob ichivakumbira kuti vapindire mukugadzirisa zvinhu muZimbabwe munyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika.

Masangano aya anoti munyika munogona kuguma maita mhirizhonga kana pasina nhaurirano.

Asi veZanu-PF vanoti uku kupedza nguva kuteya nzou neriva nekuti muZimbabwe hamuna matambudziko angade kuti SADC ikokwe kunhimbe.

Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaBright Matonga vanoti vemasangano akazvimirira vaifanira kukurudzira nhaurirano munyika vasati vaenda kuSADC.

Asi vanokokera mabasa eCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaBlessing Vava, vanoti hapana chakaipa kuenda kuSADC nekuti yakatombopindira kare muZimbabwe maita bopoto zvakazoita kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa muna 2009.

Hurukuro naVaBlessing Vava naVaBright Matonga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG