Accessibility links

Breaking News

RBZ Yoshorwa neVamwe veMabhizimisi Ichinzi Iri Kupa VaTagwirei Mari Yakawandisa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neMuvhuro vakaita musangano nevakuru vemabhizimisi zvikabuda pachena kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi hazvina kumira zvakanaka uye hapana kuwirirana pakati pehurumende nevemabhizimisi zvikuru pamabatirwo ari kuitwa mari neReserve Bank of Zimbabwe.

Vemabhizimisi munyika vari kuchema chema nekwavanoti kusanyatsojeka kwehukama pakati peReserve Bank of Zimbabwe nekambani yeSakunda Holdings Private Limited neyeTrafigura Zimbabwe.

Gore rapera, Sakunda yakati yainge yochinja zita kuti inzi Trafigura Zimbabwe sezvo yainge yatengwa nekambani iyi kuburikidza nekambani yePUMA. Trafigura ikambani ine muzinda kuSingapore.

Pamusangano wakaitwa neMuvhuro kuState House muHarare , zvakabuda pachena kuti vemabhizimisi havasi kufara kuti mari yakawanda iri kuenda kunotenga mafuta ekufambisa dzimotokari asi mari yacho yakawanda ichienda kukambani yeSakunda Holdings Group yaVaKuda Tagwirei.

Asi vachipindura nyaya iyi, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, Dr Joram Gumbo, vati kambani iyi inopihwa mari yakawanda nekuti ine magaraji akawanda.

Asi vaive chipangamazano chaVaMnangagwa, VaChris Mutsvangwa, vakaudza bepanhau reThe Standard kuti hurumemende inofanira kubvumidza makambani akawanda kuti atenge mafuta edzimotokari nekuti pakaita kambani imwe chete panozoita kuti zvinhu zvinetse.

VaGumbo vatiwo kunze kwekupihwa mari neRBZ, hurumende yakawanawo chimwe chikwereti kubva kumakambani makuru anosanganisa iyo Trafigura neIndependent Petroleum Group kana kuti IPG yekuKuwait, asi vamwe vachiti izvi zvine mutauro sezvo kambani imwecehte ichipihwa mari zvekare neRBZ kuburikidza neSakunda.

Mamwe makambani akawanda ataura neStudio 7 zvikuru anochera zviwanikwa anoti haasi kufara nekuti ari kuendesa zvicherwa zvavo kuRBZ asi haana kana kobiri raari kuwana pamari yekunze yaakanzi anopihwa nebhanga iri muna 2016.

Kambani yeRio Zim yakaburitsa mashoko ekuti yave kuendesa RBZ kumatare sezvo iri kukundikana kuipa mari yayo.

Kambani huru inochera goridhe yeMettallon Gold yaVaMzi Khumalo vekuSouth Africa inoti iri kuronga kuti ichinjane hayo goridhe nemichina yekucheresa goridhe sezvo isina mari yairi kuwana kubva kuRBZ.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, VaGift Mugano, vanoti izvi zvinoodza moyo vanoda kuuya kuzouchika mari munyika.

Vachitaurawo nezvemusangano weMuvhuro, mukuru weUnited Refineries Limited, VaBusisa Moyo, avo vakapindawo mumusangano waVaMnangagwa vati mabatirwo emari neRBZ akakosha mukugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Zvichakadaro, bazi rezvekuburitswa kwemashoko raburitsawo mashoko ekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mune remangwana achatanga anzwa zvinofungwa nevemabhizimisi asati atora matanho panyaya dzezvehupfumi.

Vakapinda mumusangano uyu vanoti VaMnagagwa vakati vachatarisa nyaya yemamiriro ezvinhu pakutengwa kwemafuta edzimotokari sezvo kwaita mutauro wakanyanya.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kana VaTagwirei sezvo nhare nenharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG