Vanhu gumi nemumwe chete vakaurayiwa muPittsburg America nezuro mukereke yevatendi vechiJew yeSynagogue.
Komisheni iri kutungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, iyo iri kuongorora kuurayiwa kwakaitwa vanhu vatanhatu muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu, yakatambirwa nemhirizhonga kuLarge City Hall muBulawayo nemusi weChishanu.
Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaEnnergy Mutodi varamba mashoko ekuti mubato reZanu-PF mapindwa naPongwe vachiti bato ravo rinongoda nguva chete yekugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.
Murume wekuKariba ari kupomerwa mhosva yekudzikisira hofisi yemutungamiri wenyika nekutuka mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemumwe mutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, akambomiswa nemusi weChitatu pamberi pedare ramejasitiriti.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvinhu zvinenge zvave kutonyanya kuoma kubva apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatoresa mhiko dare ravo remakurukota musi wa 10 Gunyana.
Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kuburikidza nebazi rezvekuburitswa kwemashoko nezuro vakaburitsa mashoko ekuti havana mutauriri parizvino uye vanongotaura kuburikidza nebazi iri.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kusimuka nhasi vakananga kuZambia uko nyika iyi iri kupemberera kuwana kuzvitonga kuzere nemusi weChitatu.
Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu Doctor Joram Gumbo vanoti Zimbabwe yawana mari yechikwereti yekuti ipedze dambudziko rekushaikwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari.
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor Muthuli Ncube vakaburitsa mashoko kuvatori venhau nemusi weMuvhuro vachiti vambomisa basa vashandi vana vekubhanga iri vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuori.
Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema nekushaikwa uye kudhura kuri kuita mishonga zvopa kuti hupenyu hwevarwere vakawanda hurumende munjodzi.
Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change rapa vanhu makumi maviri nevashanu vakakwikwidza musarudzo vakazvimirira nevamwe vaivatsigira kusvika nhasi kuti vange vapa hutungamiri hwebato humbowo hwekuti sei vakazvidza vakuru vebato.
Dare repamusoro soro reConstitutional Court nezuro rakapa mutongo wekubvisa chimwe chikamu chemutemo we Public Order and Security Act kana kuti Posa uyo wakabva mumutemo weLaw and Order Maintenance ACT kana kuti LOMA munguva yeRhodesia.
Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaJoram Gumbo vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuori apo vaive gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu.
Mabhanga emunyika anoti atanga kutevedzera kurudziro yeReserve Bank of Zimbabwe ekuti apatsanure mari dzeReal Time Gross Settlements kana kuti RTG’s nemari dzekunze dzakaita semadhora ekuAmerica, marands nemapula nedzimwe mari.
Makanzuru ose emunyika nhasi aei kupinda muchirongwa chechitatu chekuyedza kukwezva vemabhizimisi kana kuti 3rd edition of Local Government Investment Conference (LOGIC) chiri kuitirwa kuZimbabwe International Trade Fair kuBulawayo.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika General Constantino Chiwenga vari kurapwa kuchipatara chekuSouth Africa pamwe nemudzimai wavo Amai Mary Chiwenga.
Sangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network riri kukurudzira kuti dare reparamende rivandudze mimwe mitemo yesarudzo sezvaragara richikurudzira uye zviri kutaurwawo nevamwe vaongorori vesarudzo kubva kuEuropean Union.
Chikwata cheDyanamos chabuba mukanwa mamupere mumakwikwi eCastle Premier Soccer League mushure mekurova chikwata cheCaps United 2-1 nemusi weSvondo.
Rime sangano revashandi kuchamhembe kweAfrica reSouthern African Trade Union Coordination Council (SATUCC) rashora zvikuru mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekusungwa kwakaitwa vakuru nenhengo dzesangamo reZimbabwe Conress of Trade Unions kana kuti ZCTU nemusi weChina.
Kunyangwe hazvo mutengo webond neRTG’s uyo wange uchiita chamurambamhuru waderera zvichinzaniswa nedhora rekuAmerica, zvinhu zvakawanda muzvitoro zvichiri kuramba zvichishaikwa uye zvimwe zvitoro zvichiri zvakavharwa.
Rodhai zvimwe