Accessibility links

Breaking News

Huremu hweBond neRTG's Hwoderera Zvakanyanya


Kunyange hazvo mutengo we bond note neRTG’s uyo wange uchiita chamurambamhuru, waderera zvichinzaniswa nedhora rekuAmerica, zvinhu zvakawanda muzvitoro zvichiri kuramba zvichishaikwa uye zvimwe zvitoro zvichiri zvakavharwa.

Nemusi weChishanu huremu hwemari yebond note neRTG’s hwange hwave pamadhora zana nemakumi masere kubva pamazana mashanu kana kudarika mumazuva mashoma apfuura zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Asi zvinhu zvakaita sehuku, mafuta ekufambisa dzimotokari, mafuta ekubikisa, furawa, shuga, Mazowe nezvimwe zvichiri kunetsa kuwana.

Zimbabwe iri kutatarika kuti iwane mari yekutenga zvinhu kunze zvopa kuti zvidhure.

Vemabhizmisi vari kuchema chema kuti mutero wakadzikwa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, wekuti vanhu vabhadhare masendi maviri padhora rega rega, uri kuvaomesera uye mitemo yacho iri kudzikwa pasina nhaurirano.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti Zimbabwe inofanira kugadzira zvakawanda zvekutengesa kunze kuti igadzirise hupfumi hwayo.

Hurukuro naVaSifelani Jabengwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, vamwe vanamuzvinabhizimisi kubva kuZimbabwe vari muAmerica umo vari kuyedza kukwezva vamwe vanamuzvinabhizimisi kuti vashande navo.

Pari zvino vari kuTexas uye vari kutarisirwawo kuenda kuWashington DC.

Muzvinabhizimisi vari sachigaro weChief Executives Officers Africa Roundtable, VaOswell Binha, vanoti vane chivimbo chekuti vachakwanisa kukwezva vemabhizimisi vekunze.

Hurukuro naVaOswell Binha
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG