Accessibility links

Breaking News

Vakuru veHurumende Vonakurirana Nyoka Mhenyu paNyaya yaVaLumumba


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, kuburikidza nebazi rezvekuburitswa kwemashoko, vakaburitsa neMuvhuro mashoko ekuti havana mutauriri pari zvino uye vanongotaura kuburikidza nebazi iri.

Vakatiwo havasati vaumba inonzi Communication Taskforce iyo inonzi naVaAcie Lumumba vakasarudzwa kuva sachigaro wayo naVaNcube vacho.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti paita kusawirirana pakati paVaNcube nebazi rezvekuburitswa kwemashoko iro rinoti VaLumumba vave kutora basa rinofanira kuitwa nebazi iri.

VaLumumba vakakonzerawo mutauro wakanyanya apo vakapomera vamwe vashandi vekuReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, mhosva yekuita zvehuori nekutengesa mari yema bond notes mumigwagwa.

Gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, vakabva vamisa neMuvhuro vashandi ava basa vachiti vari kuda kuti vamboferefetwe.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaNcube naVaLumumba vange vasiri kudairawo nharembozha dzavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi, vanova mukuru weMedia Centre vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika izvi munongedzo wekuti bato reZanu-PF rakundikana kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi zvopa kuti riite basa rekunakurirana nyoka mhenyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG