Accessibility links

Breaking News

Mabhanga Otanga Kupatsanura Mari dzemaRTG's neDhora rekuAmerica


Mabhanga emunyika anoti atanga kutevedzera kurudziro yeReserve Bank of Zimbabwe yekuti apatsanure mari dzeReal Time Gross Settlements kana kuti RTG’s nemari dzekunze dzakaita semadhora ekuAmerica, marhanzi, mapula nedzimwe mari.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi hadzisi kuwirirana kuti izvi zvingashande here.

Gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, vakapa vemabhanga kusvika neMuvhuro kuti vange vatanga kupatsanura maRTG’s nemari dzimwe dzekunze kana kuti Foreign Currency Accounts-FCA.

Vanotengesa zvinhu kunze vakafanana nevarimi vefodya nevanotengesa zvicherwa vachavhura inonzi Nostro Account, inopinda mari dzinenge dzakweretwa kunze.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinokwanisa kuvhurawo FCA kusanganisira vemasangano akazvimirira, uye vanenge vapihwa mari dzekubatsirikana nevari kunze.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbova mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti VaMangudya vabaya dede nemukanwa.

Hurumende inotiwo yakawana mari kubva kuAfreximbank kuti RTGs iti gedye nedhora rekuAmerica.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti kupatsanura mari yeRTGs nedzimwe mari munongedzo wekuti hadzina kuenzana.

Mashoko aya atsinhirwawo nevaive gurukota rezvehupfumi vari nhengo yeMDC muparamende, VaTendai Biti.

Muzvinafundo Mugano vanoti hurumende inofanira kuuya negwara rakasimba kuona kuti yatengesa zvinhu kunze.

VaBiti vanotiwo zvaitwa neRBZ kuderedza huremu hwemari yemaRTG’s kuteya nzou neriva.

Mukuru webhanga reCABS, VaSimon Hammond, vaudza bepanhau reHerald kuti vatotanga kugadzira hurongwa hwekupatsanura mari dzinoiswa mumabhanga.

Hatina kukwanisa kubata VaMangudya sezvo vange vasiri kudaira nharembozha ravo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG