Accessibility links

Breaking News

MDC, ZANU-PF, neNCA Vokwikwidza Musarudzo dzeDare reParamende kwaMutoko


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Sangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN riri kukurudzira dare reparamende kuti rivandudze mimwe mitemo yesarudzo sezvaragara richikurudzira uye zviri kutaurwawo nevamwe vaongorori vesarudzo kubva kuEuropean Union nekumasangano akaita seInternational Republican Insitute neNational Democratic Institute ekuAmerica kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena dzisina mutauro.

Kurudziro iyi iri kuuya apo nyika yatarisana nesarudzo dzekutange mudare reparamende kuMutoko North kutsiva Amai Mable Chinomona avo vakasarudzwa nebato ravo reZanu-PF kuita mutungamiri wedare reSenate. Sarudzo dzekuvatsiva dziri kuitwa musi wa 24 Mbudzi uye pane mapato matatu akatozivisa kuti anenge achikwikwidza musarudzo idzi.

Vari kukwikwidzana ndiVaEdson Mugoma veNCA Party, VaBoniface Mushore veMDC-Alliance uye VaRambidzai Nyabote veZANU-PF. Dare rekutambira vatatu ava kana kuti Nomination Court rakagara kwamejastiriti kuMarondera.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZESN Amai Ellen Kandoro-Dingane vati sangano ravo riri kukurudzira kuti munyika muitwe sarudzo dzisina mhirizhonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG