Accessibility links

Breaking News

Vakuru muZanu-PF Vokandirana Makobvu neMatete neKusamira Zvakanaka kweNyaya dzeHupfumi


VaEnergy Mutodi
VaEnergy Mutodi

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaEnnergy Mutodi varamba mashoko ekuti mubato reZanu-PF mapindwa naPongwe vachiti bato ravo rinongoda nguva chete yekugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi dzinoti kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi kwapa kuti mubato reZanu-PF muite kusawirirana kwakanyanya.

Vamwe vanoti patanga kumuka nyaya dzezvikwata vamwe vachinzi vanoti vari kutsigira zviri kuitwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, vamwe vachitsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga.

Vamwe vakuru vemabhizimisi vanoti zvinhu zvave kuvaomera sezvo vasisazive kuti voita hurukuro nani chaizvo, VaNcube vasati vadomwa, VaChiwenga ndivo vakaitwa sachigaro wekomiti yekuongorora nyaya yemitengo yezvinhu nePoltiburo asi ikozvino mabsa aya ave kuitwa naVaNcube pasina kujekeswa kuti VaChiwenga vanenge vachiitei.

Mapazi ehurumende haasi kutaura nezwi rimwe chete uye nyaya dzehuori dzinonziwo hadzisi kugadziriswa nekuda kwemakakatanwa aya. Asi sachigaro weMDC Muzvare Thabitha Khumalo vanoti zviri pachena kuti Zanu-PF yakundikana kugadzirisa zvinhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG