Accessibility links

Breaking News

VaJoram Gumbo Vopomerwa Mhosva yeHuori-ZACC Ichiti Haisati Yasumwa


VaJoram Gumbo
VaJoram Gumbo

Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaJoram Gumbo vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuori apo vaive gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu.

Bepanhau reHerald rinoti kambani yavo yekusona hembe inonzi JMCD yakapihwa basa nekambani yeZinara uye vachinzi vaitorawo mari kubva kukambani iyi yaive pasi pebazi ravo.

Asi vachibvunzwa nebepanhau reHerald, VaGumbo vakaramba kuti vanoita zvehuori vachiti kambani yavo inotengeserawo mbatya kuZanu-PF mauto nemamwe mapazi ehurumende.

VaGumbo vanonzi vaipihwawo mari kubva kuZINARA dzekuenda kuMalaysia kunoita basa reAir Zimbabwe risinei nekugadzira migwagwa sezvinoshandiswa homwe iyi. Komishina weZimbabwe Anti-Corruption Commission VaGoodson Nguni vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vasumwa nezvenyaya iyi nekudaro hapana chavangataure parizvino.

Nhengo yedare reparamende inomirira MDC kuKambuzuma VaWillas Madzimure vanove nhengo yeAfrican Parliamentarians Network Against Corruption uye vari mukomiti yeparamende inoona nezvemashandiro emapazi ehurumende avo vanoti zvakakosha kuti makurukota nenhengo dzedare reparamende vabude pachena panyaya yehupfumi hwavo vachangotora mhiko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG