Accessibility links

Breaking News

Makanzuru Ose Osangana kuBulawayo Kuyedza Kukwezva veMabhizimisi


Meya weHarare VaHerbert Gomba
Meya weHarare VaHerbert Gomba

Makanzuru ose emunyika nhasi ari kupinda muchirongwa chechitatu chekuyedza kukwezva vemabhizimisi kana kuti 3rd Edition of Local Government Investment Conference (LOGIC) chiri kuitirwa kuZimbabwe International Trade Fair kuBulawayo.

Pamusangano uyu pari kutarisirwa vanhu vanodarika mazana mana kusanganisa vemabhizimisi avo vanenge vachida kutengeserana nekanzuru.

Kuri kutarisirwa vamwe vemabhizimisi kubva kuItaly, Slovakia nekuBritain uye vamwe vemabhizimisi makumi manomwe vanenge vachiratidzirawo.

Nhasi kuri kutanga misangano pakati pemapazi ehurumende anodyidzana nemakanuzuru nevemabhizimisi ava.

Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingindira rekuti: makanzuru akagadzirira kuita bhizimisi kana kuti ‘Local Authorities: Ready for Investment.”

Meya weguta reHarare VaHerbert Gomba vaudza Studio 7 kuti vane chivimbo chekuti vachabuda nechouviri kubva pagungano iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG