Dare repamusoro soro reConstitutional Court nezuro rakapa mutongo wekubvisa chimwe chikamu chemutemo we Public Order and Security Act kana kuti POSA uyo wakabva mumutemo weLaw and Order Maintenance ACT kana kuti LOMA munguva yeRhodesia.
Vanopikisa, vashandi nevemasangano akazvimirira oga vanoti mutemo uyu kunyaya chikamu chabviswa wainge wavashaisa mufararo sezvo waishandiswa kutyora kodzero dzavo.
Ko vemapato ezvematonge vanoti kudii nemutongo wedare uyu?
Nhengo yeZanu-PF vachimiririra Makonde mudare reparamende, VaKindness Paradza, vanoti mutongo uyu unoratidza kuti matare akazvimirira uye munongedzo wekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuda kuvanduza zvinhu munyaya dzehutongo hwejekerere.
Asi nhengo yeMDC vachimiririra Mutasa Central mudare reparamende, VaTrevor Saruwaka, vanoti matare abaya dede nemukanwa asi anofanira kuramba achitonga asina divi raanorerekera.
Facebook Forum