Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kusimuka nhasi vakananga kuZambia uko nyika iyi iri kupemberera kuwana kuzvitonga kuzere nemusi weChitatu.
Mashoko ekuti VaMnangagwa vari kuenda kuZambia ari padandemutande reTwitter rebazi rezvekuburitswa kwemashoko Bazi iri rinoti vari kuenda kumhemberero dzechimakumi mashanu nemana Zambia yawana kuzvitonga kuzere.
Zambia yakawana kuzvitonga kuzere musi wa24 Gumiguru 1964. Nyika iyi yakabatsirawo Zimbabwe munguva yehondo yerusununguko zvakapa kuti nyika mbiri idzi dzive nehukama hwakasimba.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika dzinoti sezvo mhembererero dziriko mangwana, VaMnangagwa vaifanirawo kusimuka musi uyu kana kutoregera sezvo nyika isina mari yekunze inodiwa panzendo dzakadai uye vanhu vari kunetsekana nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri wavo VaGeorge Charamba kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusoro paCzech University of Life Sciences kuPrague VaWelcome Zimuto vanoti hukama hweZimbabwe neZambia hune nhoroondo yakareba kunyangwe hazvo panguva ino zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe vachiti havaone rwendo urwu rwuchibatsira nyika.
Facebook Forum