Accessibility links

Breaking News

Vakakwikwidza Vakazvimrira Vodzingwa muMDC yaVaChamisa?


Muzvare Jessie Majome, Harare West

Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change inotungamirwa naVaNelson Chamisa rapa vanhu makumi maviri nevashanu vakakwikwidza musarudzo vakazvimirira nevamwe vaivatsigira kusvika nhasi kuti vange vapa hutungamiri hwebato humbowo hwekuti sei vakazvidza vakuru vebato.

Sachigaro weMDC, Muzvare Thabitha Khumalo, vakanyora tsamba kumunyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora, vachivazisisa kuti vaone kuti vose vakapinda musarudzo zvisina kukomborerwa nebato vape zvikonzero zvekuti sei vakadaro vanenge vasina vodzingwa.

Tsamba yaMuzvare Khumalo iyi yakanyorwa musi wa 4 Gumiguru.

VaMwonzora vakazonyorawo imwe tsamba musi wa 12 Gumiguru kumasachigaro ekumatunhu ose vachivazivisa nezvedanho rekuda kudzinga vakakwikwidza musarudzo dzapera vasina kukomborerwa nebato.

VaMwonzora vaudza Studio7 kuti ichokwadi kuti tsamba idzi dzakanyorwa asi havazive kuti dzakasvika sei mumaoko evatori venhau.

Vamwe vakakwikwidza vakazvimirira vanosanganisira VaJames Maridadi, Muzvare Jessie Majome, VaLawrence Matshazi nevamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG