Accessibility links

Breaking News

Nyakunzi Akatuka VaMnangagwa naVaChiwenga Omiswa Pamberi peDare


VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga.

Murume wekuKariba ari kupomerwa mhosva yekudzikisira hofisi yemutungamiri wenyika nekutuka mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemumwe mutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, akambomiswa nemusi weChitatu pamberi pedare ramejasitiriti kuKariba asi akazonzi adzoke kudare iri nemusi weChitatu svondo rinouya.

VaAlexander Samuel Chidzedzere, avo vane makore makumi maviri nemasere ekuberekwa, vakasungwa nemapurisa pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act vachinzi vakataura mashoko aya paNyamhunga Business Centre musi wa16 Nyamavhuvhu vachivapomerazve mhosva yekubirira sarudzo pamwe nebato ravo reZanu-PF.

Mapurisa anoti mashoko aya akanangana nekuunza ruvengo nekushorwa kwemutungamiri wenyika. Vanhu vakawanda vari kusungwawo munzvimbo dzakawanda vachipomerwa mhosva imweyo yekukutuka mutungamiri wenyika.

Vamwe vakasungwa vanosanganisira VaGustiv Kativhu, VaNorman Machipisa, VaMunyaradzi Shoko naVaDavid Ndlovu.

Vamwe vanonzi vanenge vatuka VaMnangagwa padandemutande reFacebook vanosungwawo.

Gweta raVaChidzedzere, VaUnit Saize, vanova nhengo yesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Hurukuro naVaUnit Saize
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG