Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neMumwe Vourayiwa nePfuti muChechi kuPittsburgh muAmerica


Vanhu gumi nemumwe chete vakaurayiwa muPittsburg America nemusi weMugovera mukereke yevatendi vechiJew yeSynagogue.

Vanhu ava vakafa mushure mekunge mumwe muchena anopfurikidza mwero Robert Bowers mugari wemuguta iri apinda muchechi iyi achipfuura vanhu ava achiti haafare nechitendero ichi nenyaya yekuti vamwe vatendi vacho vanotsigira vapoteri vanonzi vari muMexico vachida kuzopinda muAmerica. Bowers anogona kutongerwa rufu akabatwa nemhosva.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakashora zvikuru nyaya yekupfuurwa kwevatenderi ava kunyangwe havo vari kushorwa havo nevamwe nemashoko avo ekuti dai muchechi maichengetedzwa nemunhu ane pfuti zvaigona kubatsira kuti vanhu vakawanda vasarasikirwe nehupenyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG