Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu Doctor Joram Gumbo vanoti Zimbabwe yawana mari yechikwereti yekuti ipedze dambudziko rekushaikwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari.
Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema nenyaya yekuti vave kupedza nguva yakareba vachitsvaga mafuta ekufambisa dzimotokari uye vemakombi nemabhazi vabva vawedzera mutengo.
Kunze kwekushaikwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari, nyika yakatarisana nedambudziko rekushayawo mafuta ekubikisa, chingwa nezvimwe zvekudya.
Vanhu vave kumanikidzwawo kutenga zvinhu zvemari inosvika madhora makumi maviri kuti vatange bhodhoro rimwe chete remafuta kana vachida kutenga nekadhi vasina mari yekuAmerica.
Asi padambudziko remafuta ekufambisa dzimotokari, VaGumbo vanoti vari kuyedza kugadzirisa dambudziko iri vachibatsirana neReserve Bank of Zimbabwe.
Vati RBZ yatenda kupa bazi ravo mari inosvika mamiriyoni makumi matatu nemaviri kubva pamamiriyoni makumi maviri pavhiki roga roga.
Facebook Forum