Accessibility links

Breaking News

VaMagaya Vokonzera Mutauro muNyika neKuti Vawana Mushonga weHIV


VaWalter Magaya

Muporofita Walter Magaya vechicgi yeProphetic Healing Deliverance kana kuti PHD vakonzera mutauro munyika nezuro mushure mekunge vati ivo nevamwe vavari kushanda kubva kuIndia vachiti vawana mushonga wekurapa chirwere cheHIV.

Aka hakasi kekutanga VaMagaya vachitaura mashoko akadai sezvo muna 2016 vakambotaura kwaMutare kuti mweya mutsvene kuburikidza nemavari unokwanisa kurapa chirwere ichi.

Vakambotiwo vanorapa chirwere chegomarara. Hatina kukwanisa kubata VaMagaya kuti tinzwe divi ravo. Asi vakataura mashoko aya panhepfenyuro yavo yeYadar TV vachiti pane muti wavakawana unosanganiswa nemumwe unowanikwa kuMozambique.

Asi vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vati vanhu vanofanira kuramba vachinwa mishonga yavo yemaARV kwete kurega vachiti kwaita mushonga unorapa chirwere ichi kusvika vanachiremba vaita ongororo izere.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG