Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kumutsiridza Kambani yeHwange


Hwange Colliery Company Logo

Hurumende yadoma VaBekithemba Moyo avo vaimbova mukuru wekambani yeDBF Capital Partners kuti vambotungamira hurongwa hwekumutsiridza kambani yemarasha yeHwange Colliery.

Kambani iyi yave nemakore ichitatarika uye ine chikwereti chinosvika mamiriyoni zana nemakumi mashanu kuHurumende. Gurukota rinoona nezvemutemo VaZiyambi Ziyambi vakaburitsa mashoko ekumutsiridza Hwange mubepanhau rehurumende reGovernment Gazette nemusi weMuvhuro.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University Muzvinafundo Gift Mugano vanoti hurongwa uhwu hahwuna kuipa nekuti hunobatsira zvizvarwa zveZimbabwe asi panoda kutarisiswa kuti vanosarudzwa kuita basa iri vave vakakodzera.

Muzvinafundo Gift Mugano vanoti zvirongwa zvakadai vakazviona zvichibatsira kumutsa mamwe makambani akanga adonha mumwaka iri kumashure asi zvakanga zvaitwa nenzira yakanaka. Vanoti shuviro yavo ndeyekuti vanopiwa basa iri vapiwe simba rekuronga zvavanoona kuti zvinobatsira kwete kuvapa basa asi vasina masimba ekutora matanho mukambani iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG