Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varonga musangano wechimbi chimbi nevakuru vemabhizimisi nhasi sezvo zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyika.
Mutauriri waVaMnangagwa vari mutevedzeri wemunyori mukuru wedare remakurukota vageorge charamba vaudza bepanhau reSunday Mail kuti musangano uyu uri kuitwa nhasi mangwanani kuState House.
Izvi zvinotevera kudhura zvakanyanya kwezvinhu muzvitoro uye kushaikwa kwezvimwe zvinonzi zviri kukonzerwa nekushaikwa kwemari yekunze. Vemabhizmisi vakawanda vakataura neStudio 7 vanoti vakashamisika voona tsamba dzekukokwa kumusangano uyu naVaMnangagwa zvekuti pange pasina kunyatsogadzirira.
Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries VaSifelani Jabangwe vanoti vari kutarisira kuti vachawana mukana wekuzeya zviri kunetsa vemabhizimisi kunyanyaya nyaya dzekushomeka kwemari yekunze.
Facebook Forum