Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voita Musangano weChimbi Chimbi neveMabhizimisi Sezvo Zvinhu Zvaoma


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varonga musangano wechimbi chimbi nevakuru vemabhizimisi nhasi sezvo zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyika.

Mutauriri waVaMnangagwa vari mutevedzeri wemunyori mukuru wedare remakurukota vageorge charamba vaudza bepanhau reSunday Mail kuti musangano uyu uri kuitwa nhasi mangwanani kuState House.

Izvi zvinotevera kudhura zvakanyanya kwezvinhu muzvitoro uye kushaikwa kwezvimwe zvinonzi zviri kukonzerwa nekushaikwa kwemari yekunze. Vemabhizmisi vakawanda vakataura neStudio 7 vanoti vakashamisika voona tsamba dzekukokwa kumusangano uyu naVaMnangagwa zvekuti pange pasina kunyatsogadzirira.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries VaSifelani Jabangwe vanoti vari kutarisira kuti vachawana mukana wekuzeya zviri kunetsa vemabhizimisi kunyanyaya nyaya dzekushomeka kwemari yekunze.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG