Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Mana neVanomwe Vanoshaya Mutsaona yeMabhazi kwaRusape


Vanhu vanodarika makumi mana nevanomwe vashaya mutsaona mushure mekunge mabhazi maviri anoti reSmart Express neBolt Cutter abonderana pedyo neRusape.

Mabhazi aya ange achangodarika patoll gate remunzvimbo iyi.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati kusvika pari zvino mapurisa akwanisa kuverenga mitumbi yevana vaviri nevanhu vakuru makumi mana nemakumi mashanu.

Vatiwo mapurisa achiri kuenderera mberi achiferefeta nyaya iyi.

Mifananidzo iri kubva panjodzi iyi iri kuratidza kuti vanhu vakawanda vatyoka mitezo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG