Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakapfurwa muAmerica veChechi yemaJew Voradzikwa


Amai Joyce Fienberg vachinoradzikwa

Vamwe vanhu vatatu, pavanhu gumi nemumwe vakaurayiwa nemumwe muchena anopfurikidza mwero nemusi weMugovera kuPittsburg muchechi yemaJew yeSynagogue vakavigwa nemusi weChitatu.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakashanyira nzvimbo iyi nemusi weChipiri asi vamwe vanhu vakaratidzira vachiti mashoko avo ndivo ari kupa kuti vanhu vanetsane muAmerica. Asi VaTrump vanoramba mashoko aya.

Vavigwa ndiVaMelvin Wax, VaIrving Young uye Amai Joyce Fienberg. Akapfura vanhu ava, Robert Gregory Bowers anogona kutongerwa rufu.

MuAmerica mune dambudziko guru rekupfurwa kwevanhu sezvo zviri nyore kutenga pfuti. Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara mu Pennsylvania VaNicholas Mada vanoti America inofanira kuvandudza mitemo yekungobvumidza vanhu kutenga pfuti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG