Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiramba kuti vasori ndivo vaida kupamba mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa nemusi weSvondo kuMabvuku.
Vebato reMDC vanoti pane vanhu vainge vaine motokari nhatu vakavatevera kubva kumarondera kwavainge vapedza musangano kusvika kumabvuku uko vakayedza kupamba VaChamisa.
Mumashoko avo kuvatori venhau Amai Mutsvangwa vati motokari yaitevera VaChamisa haisi yehurumende kana mapazi ayo ezvekudzivirirwa kwenyika kana vasori. Vati vanhu vainge vari mumotokari iyi vakamhan’ara kumapurisa neMugovera wakare kuti vaingozvibvira havo kuMarondera uye ndivo vakatorwiswa.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati vachiri pazororo uye havakwanise kutaura nezvenyaya iyi. Mumwe mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vatiwo vange vari kumboturawo befu.
Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti VaChamisa ndivo vanenge vakatorwosa vanhu ava.
Asi mutauriri weMDC VaJacob Mafume vati VaChamisa ndivo vakatorwiswa uye vari kushamisika kuti mapurisa asti anzwa kana divi ravo bazi rezvekuburitswa kwemashoko ratobuda nezvakitika. Vati mashoko aya ndeemugotsi matsuro.
Facebook Forum