Accessibility links

Breaking News

VaMohadi Voendeswa KuMatare Hurumende Ichiramba Kupa VaChihuri Magweta


VaKembo Mohadi
VaKembo Mohadi

Vaimbova makurukota ehurumende ezvekuchengetedzwa kwemukati menyika VaKembo Mohadi avo vave mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari kuendeswa kumatare mangwana nerimwe gweta remuHarare vachipomerwa mhosva yekurishungurudza vari muhusungwa.

Vamwe vari munyaya iyi pamwe naVaMohadi vanosanganisa vaivewo rimwe gurukota rezvemukati menyika muhurumende yemubatanidzwa Amai Theresa Makone veMDC, vaive mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri, vaive muchuchusi mukuru wehurumende VaJohannes Tomana, Assistant Inspector Henry Dowa naVaClever Ntini.

Gweta iri VaMordecai Mahlangu vesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti vose ava vanofanira kuvaripa nekuti vakatyora kodzero dzavo muna 2009 apo vaimirira VaPeter Hitschmann avo vaipa huchapupu pamhosva yaipomerwa muchakabvu Roy Bennet yekuti vainge vachida kupidigura hurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMahlangu vakagariswa mutirongo kuHarare Central Police Station husiku hwose vachinyeperwa kuti vaida kukanganisa mafambiro enyaya iyi.

Asi Vachuchusi vehurumende vanonziwo vari kuramba kumiririra VaChihuri zvopa kuti vabatwe nemhosva yekuzvidza dare nyaya iyi isati yatombopida mudariro.

Mutauriri wesangano reZLHR, VaKumbirai Mafunda vanoti VaMahlangu vane chivimbo chekuti vanobudirira uye vachiti mapurisa anofanira kuremekedza kodzero dzevanhu nguva dzose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG