Sangano renyika dzaive pasi pehutongo hweBritain reCommonwealth iro rakaongorora sarudzo dzakaitwa muZimbabwe rinoti harisi kutambira zvakabuda musarudzo idzi richiti pane zvakawanda zvinoda kuti zviitwe.
Izvi zvinosanganisa kuwanisa mapato ose mukana panhepfenyuro dzehurumende, kusabatwa zvakanaka kwesarudzo neZimbabwe Electoral Commission, kutyisidzirwa kunonzi kwaiitwa vanhu uye kupfurwa kwevanhu nemauto muHarare musi wa1 Nyamavhuvhu.
Sangano iri rinoti munyika mainge hamo muine runyararo munguva yekutsvaga rutsigiro nemusi wekuvhota uye kupindawo musarudzo kwemadzimai akawanda nezvimwe zvinhu zvakanzi zvainge zvakanaka nesangano reCommonwealth.
Zimbabwe yakabuda muCommonwealth muna 2003 uye yakanyorera kuti inoda kudzokera.
Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti hurumende ine basa rekugadzirisa mafambisirwo esarudzo dzinotevera uye vari kuvimbisa kuvandudza nyaya dzenhepfenyuro. Vanoti hakuna kunoitwa sarudzo dzisina mutauro pasi rose.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoshanda nesangano reHuman Rights Watch vanoti sangano re Commonwealth rataridza pachena kuti harisi kuropafadza sarudzo dzakaitwa gore rino uye havaoni Zimbabwe ichidzoserwa musangano iri unguva pfupi inotevera.
Facebook Forum