Mumiriri weMutasa Central VaTrevor Saruwaka vanova nhengo yeMDC Alliance vabatana nevamwe vemunharauda yavo kutsvaga mari yekubatsira chipatara cheBonda Mission Hospital.
Mumwe chiremba Dr Edgar Munatsi vanoti vanhu vanofanira kungwarira zvikuru kupararira kwave kuita chirwere checoronavirus munyika zvikuru kune vanhu vasina nhoroondo yekumbobuda munyika kana kusangana nevane chirwere ichi vanozivikanwa.
Vanhu vakawanda pasi rose vavhiringidzwa zvikuru kucherechedza Duva reMother’s day sezvo vachiri vakazvivharira mudzimba nekutya kutapurirwa chirwere checoronavirus.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muZimbabwe hwasvika pamakumi matatu nematanhatu kana kuti 36 mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vabatwa nechirwere ichi muHarare.
Pane vapora vashanu ava, vana vacho imhuri yaVaSaul Sakudya, avo vane makore makumi mashanu nemaviri ekuberekwa. VaSakudya vanofungidzira kuti vakabata chirwere ichi apo vakaenda kuDubai.
Bato guru rinopikisa reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti nhengo dzaro dzose hadzisi kuzoenda kumatare eSenate neHouse of Assembly.
Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti danho redare remakurukota rekuti vashandi vangodzokera kumabasa vasina kuvhenekwa hutachiona hwecoronavirus rinogona kupinza hutano hwavo munjodzi.
Kutanga neMuvhuro hurumende yakati yadzika kusvika pachidanho chechipiri kana kuti Level Two pamatanho matatu ekurwisa chirwere checoronavirus chapa kuti vanhu vagare mudzimba uye kuti hupfumi hugwadame.
Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko vanick mangwana vari kuramba runyerekupe rwekuti Zimbabwe yakatumira mauto kuMozambique kunorwisa vanopfurikidza mwero vachitsigira chikwata cheIslamic State kana kuti ISIS.
Makambani akawanda ange achitarisirwa kutanga basa neMuvhuro mushure mekuvheneka vashandi vavo kuti havana chirwere checoronavirus here uye kuona kuti vashandi vanenge vasiri pedyo nepedyo pavanenge vachishanda
Mukuru weAfrica Centres for Disease control and Prevention Dr John Nkengasong vanoti huwandu hwevanhu hwabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica hunogona kunge hwakawandisa pane vari kutaurwa.
Vanhu vakawanda vanonzi vatanga kupinda muguta reHarare uku vamwe vachiti vachiri kushungurudzwa nemapurisa nemauto kunyange hazvo dare repamusoro rakati izvi zvinofanira kumira.
Apo chirwere checoronavirus chotanga kupararira kumamisha, mumiri weMutasa Central mudare reparamende, VaTrevor Saruwaka, vari kuyambira kuti Zanu-PF iakasamira tsika yekuunganidza vanhu mumaruwa chirwere ichi chinogona kupararira zvakanyanya.
Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zvinotyisa kunyangwe hazvo makambani akawanda anoda mari iyi akavhara kana kuti ari kushanda pazvikamu zvishoma.
Kunyangwe hazvo hurumende yakapa kurudziro yekuti mitengo yezvinhu zvakawanda zvinodyiwa nevanhu idzikiswe kusvika payaive musi wa25 kurume, izvi zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida. Mitengo yezvinhu haisi kudzika.
Mukuru weFunani Sports Foundation VaRay Funani vanoti vambosendeka parutizvi zvirongwa zvekudzidzisa vechidiki mitambo yakasiyana siyana inosanganisira nhabvu, cricket, nemimwe kuti vabatsire vanhu vasina pekugara vachirarama nekupemha.
Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere checoronavirus huri kuramba huchiwedzera munyika kunyangwe hazvo hurumende yakati vanhu vagare mudzimba kusvika musi wa 3 Chivabv
Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vakatonokumbira muzinda weChina muZimbabwe kuti uvabatsire kugadzirisa zvivakwa rinova basa rakapera.
Sangano remubatanidzwa wemakereke munyika reZimbabwe Council of Churches, ZCC, raparura hurongwa hwekubatsira vanhu nezvekudya munzvimbo dzakasiyana siyana uye range richiita izvi kuBulawayo.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuvhura mabhizimisi mashoma kunombogona kubatsira zvishoma asi zvinhu zvicharamba zvakaita manyama amire nerongo muZimbabwe.
Rodhai zvimwe