Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mamiriyoni Mana Vobatwa neCovid19 Pasi Rose, muZimbabwe Muine Makumi Matatu neVatanhatu


Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muZimbabwe hwakwita nevaviri kusvika pamakumi matatu nevaatanhatu kana kuti (360 mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vabatwa nechirwere ichi muHarare.

Pavanhu vaviri vakabatwa nechirwere ichi neMugovera, mumwe wavo mudzimai ane makore makumi mashanu anonzi haana nhoroondo yekumboenda kunze kwenyika kana kusangana nemunhu ane chirwere ichi zvinova zvinhu zvinotyisa nyanzvi munyaya dzezvehutano kuti chirwere ichi chinogona kunge chichitenderera asi vanhu vasingazive nekuti vari kuvhenekwa vashoma zvikuru pane zviri kutarisirwa. Mudzimai uyu aendeswa kuchipatara cheWilkins muHarare.

Vamwe vanamukoti navanachiremba gumi nevana pachipatara cheParirenyatwa muHarare avo vakarapa mumwe murwere akabva kwaMurewa aive necoronavirus vambonzi vagare kumba kuti vaonekwe kuti havana kutapurirwa chirwere ichi here.

Vanhu vapora kubva muchirwere ichi vapfumbamwe uye vafa vachiri vana. Kuwedzera kwehuwandu uku kuri kuuya apo hurumende inoti iri kusimbaradza hurongwa hwekuti vashandi vavhenekwe hutachiona uhu vasati vadzokera kumabasa. Asi nyaya iyi inenge yaunza kusawirirana pakati pehurumende nevashandi.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ Doctor Israel Murefu vanoti nhengo dzesangano ravo zhinji dziri kutadza kuzadzikisa zvimwe zviri kunzi nehurumende zviitwe kuti vashandi vari kudzokera kubasa vasatapurirwe chirwere checoronavirus.

Hurukuro naDoctor Israel Murefu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo vashandi vachifamba vari ibvi nemupimbira segumbo rimwe nevashandirwi, tabata munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vati naivo vanodawo kuita musangano nehurumende.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 haina hayo kusimbira divi rimwe chete setsvimbo nekudaro yabatawo gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vatenda kuti tsamba yeEMCOZ yakasvika kumahofisi avo asi vakaramba nyaya yekuti vari kuita vashandi dzionere mbereko yegudo rinongokanda mwana kumusana.

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Tichiri panya iyi, huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni mana kana kuti 4 million. Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti huwandu uhu hunogona kunge hwakawanda nekuti nyika zhinji dziri kukundikana kuvheneka vanhu hutachiona uhu.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vave kudarika miriyoni imwe chete. Vanhu vafa nechirwere nerimwe ichi vadarika zvuru mazana maviri zvine makumi masere 281,000.

Asi pavanhu ava vapora ndivo vakawanda vanosvika miriyoni imwe chete nezvuru mazana matatu kana kuti 1, 3 million.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neafrican union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zvuru makumi matanhatu ane mazana matanhatu nemakumi mashanu nevanomwe, 60,657 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica uye vashaya zvuru zviviri nemazana maviri nemakumi maviri nevatatu, 2,223.

Vapona vanosvika zvuru makumi maviri nemazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevaviri, 20,792

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG