Accessibility links

Breaking News

Kupararira kweCoronavirus Kune Vasina Kubuda muNyika Kwotemesa VanaChiremba Musoro


Mumwe chiremba Dr Edgar Munatsi vanoti vanhu vanofanira kungwarira zvikuru kupararira kwave kuita chirwere checoronavirus munyika zvikuru kune vanhu vasina nhoroondo yekumbobuda munyika kana kusangana nevane chirwere ichi vanozivikanwa.

Dr Munatsi vanoti kurwara kwevanhu kuMhondoro, Mrewa neChegutu vasina nhoroondo yekushanya kunze kwenyika idambudziko guru chaizvo zvinogona kuti hurumende haisi kuita zvakakwana kuvheneka hutachiona uhu.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muZimbabwe hwasvika pamakumi matatu nematanhatu kana kuti 36. Vanhu vapora kubva muchirwere ichi vapfumbamwe uye vafa vachiri vana.

Tichiri panya iyi, huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni mana nezvuru mazana mana kana kuti 4,1 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere.

Vanhu vafa vave kuda kwechirwere ichi vadarika zvuru mazana maviri zvine makumi masere nematatu 283, 000. Asi pavanhu ava vapora ndivo vakawanda vanosvika miriyoni imwe chete nezvuru mazana mana kana kuti 1, 4 million.

Mashoko atumirwawo Studio 7 neAfrican Union achibva kubazi rezvehutano resangano iri reAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zvuru makumi matanhatu nematatu, 63, 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica uye vashaya zvuru zviviri nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe 2, 290. Vapona vanosvika zvuru makumi maviri nechimwe 21, 000.

Hurukuro naDr Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG