Accessibility links

Breaking News

Vagari vekwaMutasa Central Voumba Homwe yeKubatsira Chipatara cheBonda Mission


Mumiriri weMutasa Central mudare reparamende VaTrevor Saruwaka vanova nhengo yeMDC Alliance vabatana nevamwe vemunharauda yavo kutsvaga mari yekubatsira chipatara cheBonda Mission Hospital.

VaSaruwaka vanoti mari iri kudiwa pachipatara ichi yakawanda zvikuru asi vanoti mushure mehurukuro yavakaita neStudio 7 vanhu vakawanda vakabva vauya kuzobatsira kusanganisira mumwe akauya nezvuru zviviri zvemadhora.

Vanotiwo vanhu vari kunzwa zvimwe zvirongwa zviri kubuda paStudio 7 kubatsira mukurwisa chirwere checoronavirus vobva vaitawo manyuku nyuku ekuda kubatsira nharaunda dzavo. VaSaruwaka vati kambani yeWattle Company yakavimbisa kuti ichavakiridza imba ichachengeterwa vanenge vabatwa necoronavirus muManicaland.

Hurukuro naVaTrevor Saruwaka
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoti vanodawo kutenga zvikwanisiro zvekubatsira vanachiremba kurapwa varwere sezvo hurumende iri kukundikana.

Zvichakadaro, Bhanga rinokweretesa mari nyika dzose dzepasirino reWorld Bank rapa Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni manomwe kana kuti 7 million dollars yekuAmerica mukubatsira kurwisa chirwere checoronavirus. Zimbabwe yapihwa mari iyi kunyangwe hayo iine chikwereti kubhanga iri nemamwe ekunze chinodarika bhiriyoni imwe chete yekuAmerica.

Mumwe seneta wemuAmerica VaJim Risch vanyora padandemutande reTwitter kuti mari iyi inofanira kunyatsoongororwa kuti yasvika kuvanhu veZimbabwe kwete kuti ishandiswe zvisizvo nehurumende yeZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG