Accessibility links

Breaking News

VaSakudya neMhuri Yavo Vopora Kubva kuChirwere cheCovid-19


VaSaul Sakudya

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika vachiri makumi matatau nevana, vafa vari vana, uye vapora vari vashanu.

Vanhu vavhenekwa munyika yose kuti vane hutachiona here kana kuti kwete hwe coronavirus vadarika zvuru gumi nezvinomwe.

Pane vapora vashanu ava, vana vacho imhuri yaVaSaul Sakudya, avo vane makore makumi mashanu nemaviri ekuberekwa.

VaSakudya vanofungidzira kuti vakabata chirwere ichi apo vakaenda kuDubai. Vakabva vatapurirawo chirwere ichi kumudzimai wavo nevana vaviri.

VaSakudya, avo vanogara nemhuri yavo kuRuwa, Mashonaland East, vanoti mushure mekunge vave kunzwa zviri nani, vanachiremba vakavavheneka kaviri, vakaonekwa kuti havachina hutachiwana hweCovid-19.

VaSakudya vanoti vanoda kutenda Mwari nekuvapa mumwe mukana wekuti vararame vachikurudzirawo mhuri yeZimbabwe kuti iteerere zviri kunzi vagare mudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Hurukuro naVaSaul Sakudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

MuAfrica vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 ichi vadarika zvuru makumi mashanu nezviviri, uye vafa vachisvika zvuru zviviri nemakumi maviri nevana.

Mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kubazi resangano iri rinoona nezvezvirwere reAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vapora kusvika pari zvino muAfrica vanosvika zvuru gumi nezvinomwe nemazana masere ane gumi nevashanu kana kuti 17, 815.

South Africa neEgypt ndidzo nyika dzine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere cheCovid-19 icho chinokonzerwa ne coronavirus.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG