Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Council of Churches Yobatsira Vari Kushaya Zvokudya Munyika nePamusana peCoronavirus


Reverend Dcotor Kenneth Mtata
Reverend Dcotor Kenneth Mtata

Sangano remubatanidzwa weMakereke munyika reZimbabwe Council of Churches, ZCC, raparura hurongwa hwekubatsira vanhu nezvekudya munzvimbo dzakasiyana siyana uye range richiita izvi kuBulawayo.

Izvi zviri kuuya apo vanhu vakawanda vari kuti vave kuziya nenzara vari mudzimba sezvo vari kunzi vagare mudzimba pachityirwa kupararira kwechirwere checoronavirus.

Mitengo yezvinhu yawedzerwa zvakanyanya uye vakawanda vaudza Studio 7 kuti havaone danho rehurumende rekuti mitengoi idzikiswe kusvika payaiva muna Kurume ichishanda.

Gwaro rakaburitswa nesangano reFood Security Information Network rinonzi Global Report on Food Crisis rinoti vanhu vemuZimbabwe mamiriyoni mana nezviuru mazana matatu vachada rubatsiro kusvika muna Chikumi asi richiti hurumende yeZimbabwe haikwanise zvachose kubatsira vanhu ava.

Hurumende parizvino iri kupa vamwe vanhu madhora mazana maviri emari yemunyika pamwedzi asi vakawanda vanoti ishoma.

Munyori mukuru weZCC, Reverend Kenneth Mtata, vanoti vachayedza kuenda kunzvimbo dzakawanda vakawana zvikanisiro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG