Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimisi Voramba Kudzikisa Mitengo Sezviri Kudiwa neHurumende


Doctor Sekai Nzenza
Doctor Sekai Nzenza

Kunyangwe hazvo hurumende yakapa kurudziro yekuti mitengo yezvinhu zvakawanda zvinodyiwa nevanhu idzikiswe kusvika payaive musi wa25 kurume, izvi zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida. Mitengo yezvinhu haisi kudzika.

Hatina kukwanisa kubata vamwe vakuru veConfederation of Zimbabwe Industries kana Zimabwe National Chamber of Commerce tinzwe divi ravo.

Asi gurukota rezvemaindustry Doctor Sekai Nzenza vaudza Studio 7 kuti vari kushushikana nekukwira kwemitengo yezvinhu vakati pamisangano yavakaita nevamwe vemabhizimisi vakatenderana kuti mitengo yezvinhu idzikiswe.

Vatenda havo kuti vemabhizimisi varik kuti vari kuremerwawo nezvinhu kunyanya mari yekunze yekutenga zvinhu.

Hurukuro naDoctor Sekai Nzenza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi muzvinafundo Gift Mugano vanodzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University vanoti zvekuda kutara mitengo yezvinhu hazvishande uye zvichatopa kuti zvinhu zvishaikwe muzvitoro.

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG