Bato guru rinopikisa reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti nhengo dzaro dzose hadzisi kuzoenda kumatare eSenate neHouse of Assembly dzichiratidza kutsutsumwa kwadzo nekudzingwa mudare iri kwevamwe vavo vana emutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda nemutungamiri wedare reSenate Amai Mabel Chinomona.
Izvi zvinotevera tsamba yainge yanyorwa naVaDouglas Mwonzira vari kuzvitiwo ndiwo vawe munyori mukuru webato reMDC T zvichitevera mutongo wedare repamusoro wekuti Amai Thokozani Khupe vambobata matomu kwemwedzi mitatu pasati paitwa sarudzo.
Asi Standing komiti yeMDC Alliance yakasangana neChitatu inoti mutongo uyu hauna nematuro ose sezvo Amai Khupe vakakwikwidza musarudzo nebato ravo reMDC-T.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance VaLuke Tamborinyoka vaudza Studio 7 kuti bato ravo radzingawo VaMwonzora vacho, vaive chipangamazano chaVaChamisa VaMorgan Komichi uye munyori munyaya dzezvekutongwa kwematunhu VaElias Mudzuri.
Vati vachaendawo kumatunhu ose kunonzwa pfungwa dzevanhu. Hatina kukwanisa kubata VaMwonzora sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Vakadzingwa mumatare eHouse of Assembly vanoti VaCharlton Hwende, Kuwadzana East, VaProsper Mutseyami, Chikanga/Dangamvura, sachigao webato iri Amai Tabitha Khumalo uye vanokokera MDC Alliance mudare reSenate, Amai Lilian Timveous. Bato iri rabuda nechisungo chekuti vana ava vaende kumatare kunopikisa zvakaitwa naVaMudenda naAmai Chinomona
Facebook Forum