Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Votanga Kupinda Muguta reHarare neNyaya yeHuori


Vanhu vakawanda vanonzi vatanga kupinda muguta reHarare uku vamwe vachiti vachiri kushungurudzwa nemapurisa nemauto kunyange hazvo dare repamusoro rakati izvi zvinofanira kumira.

Vanochengetedza runyararo vanonziwo nevamwe vari kuratidza kuti havana ruzivo rwakakwana pakudzivirira kupararia kwe chirwere checoronavirus.

Vakawanda vanoti vari kushamisika kuti sei vari kufamba vakawanda vari mumarori uye vasina zvekuzvidzivirira mhuno nemuromo sezviri kukurudzirwa nevezvehutano pasi rose.

Kunyange vanhu vachifanira kufamba netsamba kuti vadarike pane mapurisa nemauto, vamwe vanonzi vave kuguma vobhadhara chioko muhomwe zvopa kuti vanhu vazare muguta reHarare ipo paine kurudziro yekuti vagare mudzimba.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere checoronavirus huri kutoramba huchikwira zvakanyanya kubva zvanzi vanhu vagare mudzimba.

Kuti nyika inzi yakwanisa kudzikisa hukasha hwechirwere ichi, World Health Organization inoti nyika inofanira kupedza mavhiki maviri pasina munhu abatwa nechirwere ichi.

Mutevedzeri wemunyori wezvematunhu muMDC, VaClifford Hltyawayo, vanoti mapurisa nemauto anofanira kuita zvidzidzo zvekuchengetedza kodzero dzevanhu.

Asi gweta vari nhengo yeZanu-PF, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti mumapurisa nemumauto munogona kunge muine dzimwe nhinhi asi vanhu havafanire kushora vose.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo naVaTinomudaishe Chinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG