Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti danho redare remakurukota rekuti vashandi vangodzokera kumabasa vasina kuvhenekwa hutachiona hwecoronavirus rinogona kupinza hutano hwavo munjodzi.
Dare remakurukota iri rakabuda nechisungo ichi musi weChipiri mushure mekunge zvabuda pachena kuti munyika hamuna zvekuvheneka hutachiona uhu zvakakwana kana kuti matest kits. Hurumende yainge yamboti vashandi vose vavhenekwa vasati vadzokera kumabasa.
Hurumende yakatiwo mamwe makambani akaita sePSMI, Lancet ne Pathology Labs yeku Baines Inter-Care aitewo basa rekuvheneka hutachiona. Asi makambani aya haana zvakakwana uye anonzi ari kudhurisawo zvakanyanya pakuvheneka vanhu.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti hurumende inofanira kuona kuti zviri kushandiswa nemakambani aya zvinonyatsoshanda here nekuti zviri kubuda pachena kuti zvimwe hazvisi kushanda zvakanaka.
Gurukota rinoona nezvemaindasitiri, Doctor Sekai Nzenza, vanoti dare remakurukota rakatorawo mamwe matanho ekuti vashandi vasatapurirane chirwere cheCovid-19 kusanganisira kuti vaonekwe kana vachipisa muviri mazuva ose vasati vatanga basa.
Vanoti kana vaonekwa kuti vari kupisa muviri vanobva vaenda kunoongororwa hutachiona hwecoronavirus nebazi rezvehutano.
Facebook Forum