Accessibility links

Breaking News

Coronavirus Yovhiringidza Kucherechedzwa Zvakanaka kweZuva RaanaAmai


Amai Melania Trump nemamwe madzimai nevana kuGreater Accra Regional Hospital , Ghana, (Oct. 2, 2018.)
Amai Melania Trump nemamwe madzimai nevana kuGreater Accra Regional Hospital , Ghana, (Oct. 2, 2018.)

Vanhu vakawanda pasi rose vavhiringidzwa zvikuru kucherechedza Zuva reMother’s Day sezvo vachiri vakazvivharira mudzimba nekutya kutapurirwa chirwere checoronavirus.

Vakawanda vanoti vangotumira zvipo asi vamwe vachiti vangotaura nevanaamai vavo pambozhanhare uye vachazoita mabiko kana zvecoronavirus zvapera.

Zuva rekutenda mabasa anoitwa naanaamai iri rinochercehdzwa musvondo rechipiri rwemwedzi waChivabvu gore roga roga.

Muzvare Wendy Muperi avo vari kuIreland vati vanoda kutenda amai wavo vakavarera vari vashanu kunyangwe zvinhu zvainge zvakaoma.

Mashoko aMuzvare Wendy Muperi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaWhisper Ganya avo vari kuCape Town, South Africa vatendawo amai wavo vari kuMt Darwin vachiti vanoda kuvarangarira nezvose zvavakavaitira mukukura kwavo.

Mashoko aVaWhisper Makuni Ganya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muzvare Netsai Marova vanogara kuMabvuku vati vanoda kuti Mwari aropafadze amai vavo nebasa guru rekuvachengeta.

Mashoko aMuzvare Netsai Marova
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvatsigirwawo naVaKumbirai Mafunda vari muHarare vati amai wavo vari kwaVumbunu, Manicaland nemamwe madzimai ose vakakosha zvikuru muhupenyu uye vakati vazvichengetedze munguva ino yecoronavirus.

Mashoko aVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG