Accessibility links

Breaking News

MuZimbabwe neAfrica Huwandu Hwevari Kubatwa neCoronavirus Hworamba Huchiwedzera


Coronavirus
Coronavirus

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira hurumende kuti ivheneke vakawanda hutachiona hwecoronavirus uye kupe dzidziso sezvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kuramba huchiwedzera. Kunyangwe hazvo hurumende yakati vanhu vambogara mudzimba kusvika musi wa 3 Chivabvu.

Vakawanda vari kuramba vachibatwa nechirwere ichi munyika zvikuru vari kubva kune dzimwe nyika nevavanenge vasangana navo munyika.

Bazi rezvehutano rinoti kusvika parizvino, vanhu makumi matatu nemumwe vabatwa nechirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi vana uye vapora vaviri. Nemusi weMugovera bazi iri rakazivisa kuti vanhu vatatu vainge vabatwa nechirwere ichi uye vaviri vacho havana kumbobvira vabuda kunze kwenyika kana kusangana nemuhu ainge abva kunze kwenyika.

Vanachiremba vakawanda munyika nekunze vanoti zvakakosha kuti vanhu vakawanda vavhenekwe zvikuru munguva ino vanhu vari kunzi vagare mudzimba.

Vamwe vari kuti panofanira kunge paine dzidziso nekuti vanhu vari kungoungana vachitsvaga hupfu kana panenge pachiputswa zvinhu nemakanzuru.

Vamwe vari kuita zvekudzidzisa vanhu ndevePerch Media vakabatana nemasangano akazvimirira nemamwe mapazi ehurumende.Mukuru wePerch Media VaCollen Magobeya vaudza Studio 7 kuti vari kutenderera mumisha yevazhinji vachivadzidzisa nezvecoronavirus.

Hurukuro naVaCollen Magobeya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti pane musoja mumwe chete afa vamwe makumi maviri nevana vakakuvara mushure mekunge rori yavange vachifamba nayo vachikurudzira kuti vanhu vagare mudzimba yabheuka makiromita mana nemapfumbamwe kubva kuKariba.

VaMangwana vachinyora padandemutande ravo retwitter vatiwo vanhu vose vange vabva kunze vachichengetwa kuzipam pedyo neharare vaburitswa uye hapana abatwa necoronavirus.

Tichiri panyaya iyi, huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica huri kuramba huchiwedzerawo.

Mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zvuru makumi matatu- 30 000 vabatwa nechirwere ichi muAfrica uye churu nemazana matatu nemakumi manomwe nemana 1,374 vashaya. Vapona vanosvika zvuru zvipfumbamwe kana kuti 9000.

Pasi rose vabatwa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nemazana mapfumbamwe, 2, 9 million, vafa vakawanda vacho vari muAmerica vanodarika mazana maviri ezvuru kana kuti 200 000.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG