Accessibility links

Breaking News

African Union Inoti Vanhu Vane Coronavirus muAfrica Vanogona Kunge Vakawanda Pane Vari Kutaurwa


Mukuru weAfrica Centres for Disease Control and Prevention Dr John Nkengasong vanoti huwandu hwevanhu hwabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica hunogona kunge hwakawandisa pane vari kutaurwa nenyaya yekuti nyika dzakawanda dziri kukundikana kuvheneka vanhu vadzo kuti vane chirwere ichi here kana kuti kwete.

Vanoti Africa ine vanhu vanodarika bhiriyoni imwe chete 1,3 billion asi vanhu vaongororwa hutachiona kusvika parizvino havasvike zvuru mazana mashanu kana kuti 500 000.

Mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zvuru makumi mana nezviviri kana kuti 42 000 vabatwa nechirwere ichi muAfrica uye vashaya vanosvika churu nemazana manomwe nemakumi matanhatu nemumwe 1, 761. Vapora vanosvika zvuru gumi nezvina nezana nemakumi mana nevatatu, 14, 343.

Bazi rezvehutano muZimbabwe rinoti ravheneka hutachiona vanhu vanodarika zvuru gumi nemazana manomwe kana kuti 10 700 chete. Nynanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti huwandu uhu hushoma zvikuru pane zviri kutarisirwa.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti hurumende ine hurongwa hwekunovheneka vanhu kumabasa ichishanda nemasangano akazvimirira oga.

Vatiwo pane zvipatara zvakawanda zvichapihwawo mvumo yekuvheneka hutachiona uhu kuvashandi ava kusanganisira zvemachechi. Kusvika parizvino vabatwa nechirwere ichi vanosvika makumi matatu nevana, vashaya vari vana uye vapora vari vashanu.

Nyaya yekuti munhu aporawo inoda zvekare kuvhenekwa kwemurwere kuona kuti ave nani here asi izvi zviri kunetsawo kuita kune vakawanda. Dr Edgar Munatsi vanoti chiri kupa kuti hurumende dzemuAfrica dzitadze kuvheneka vanhu inyaya yekushaya zvikwanisiro.

Hurukuru naDr Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pasi rose vabatwa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni matatu nezvuru mazana mana, 3, 4 million, vafa vakawanda vacho vari muAmerica vanodarika zvuru mazana maviri nemakumi mana nematanhatu kana kuti 246 000.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG