Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimisi Vanoti Havana Mari yeKuvheneka Vashandi Coronavirus Sezviri Kukurudzirwa neHurumende


Makambani akawanda ange achitarisirwa kutanga basa neMuvhuro mushure mekuvheneka vashandi vavo kuti havana chirwere checoronavirus here uye kuona kuti vashandi vanenge vasiri pedyo nepedyo pavanenge vachishanda.

Asi nyaya yekushaikwa kwezvekuvheneka vanhu chirwere ichi kana kuti matest kits inenge iri kudzosera basa kumashure.

Hurumende yakatara nzvimbo dzine chitsama kuti dzivhenekwe vashandi hutachiona uhu asi munyori mukuru mubazi rezvehutano Dr Agnes Mahomva vanoti kuti zvikurumidze, makambani anofanira kutenga zvekuvheneka vashandi kana kuti matest kits oga.

Asi mutungamiri weEmployers Confederation of Zimbabwe Doctor Israel Murefu vaudza Studio 7 kuti zviri kukurudzirwa nehurumende zvdekuti vabhadhare mari yekuvheneka vashandi vose zvakaomera makambani nekuti vari kuvheneka vashandi ava vari kuda mari iri pakati pemadhora makumi maviri nemashanu nezana remadhora ekuAmerica.

Vati makambani mazhinji ayo ange akavharwa ari kutotatarikawo kuwana mari kana yekutobhadhara vashandi yacho.

Nyaya Ina Doctor Israel Murefu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG