Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoti Hurumende Iri Kutora Zvipatara Zvayo Asi Isiri Kuzvisimudzira


Chipatara cheWilkins muHarare
Chipatara cheWilkins muHarare

Kunyange hazvo hurumennde yakazivisa kuti yave kumotora zvipatara zvekanzuru yeHarare zvinorapa zvirwere zvekutapuriranwa zveWilkins Hospital neBeatrice Infectious Hospital kuitira kurwisa chirwere cheCoronavirus, kanzuru inoti haisati yapihwa mari inosvika mamiriyoni masere yekuAmerica yakavimbisa nehurumende kusimudszira mabasa pazvipatara izvi.

Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vakatonokumbira muzinda weChina muZimbabwe kuti uvabatsire kugadzirisa zvivakwa rinova basa rakapera.

Makambani nevamwe vanhu vari kukabatsirawo nezvimwe zvinhu zvakasiyana siyana kuti zvipatara izvi zvishande zvakanka sezvinotarisrwa nebazi reunited Nations rinoona nezvehutano reWorld Health Organization rinokurudzira kuti pave nezvipatara zvakakwana zvekurapa vane coronavirus hurumende isati yati vanhu ngavadzokere kumabasa.

Gweta rinombomirira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, riri nhengo yeZanu-PF, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti danho rehurumende rakanaka chose sezvo richibatsira kusimbaradza nyaya yekurwisa chirwere cheCoronavirus nehutungamiri hwakajeka.

Asi mutevedzeri wemunyori wezvematunhu muMDC, VaClifford Hlatywayo, vanoti hurumende iri kungotora zvipatara zvekanzuru iyo yatadza kugadzira zvipatara zvehurumende.

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo naVaTinomudaishe Chinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG