Accessibility links

Breaking News

Mabhizimisi Okundikana Kuvhura Sezvange Zvakatarisirwa neHurumende


Kutanga neMuvhuro hurumende yakati yadzika kusvika pachidanho chechipiri kana kuti Level Two pamatanho matatu ekurwisa chirwere cheCovid-19 chapa kuti vanhu vagare mudzimba uye kuti hupfumi hugwadame.

Muchikamu ichi, hurumende yakati mabhizimisi ane chitsama atange kushanda.

Asi izvi hazvisi kuitika nekuti panenge pasina kujeka kuti matanho anodiwa kuti vashandi vadzokere kumabasa angazadzikiswa sei.

Nyaya yehurumende yekuda kupa vemabhizimisi mutoro wekuti vavheneke vega vashandi vavo chirwere cheCovid-19 vasati vatanga kushanda yapa kuti hurongwa hwekuti mamwe mabhizimisi avhure hutadze kunyatsofamba zvakanaka.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanotsanangura zvange zvakatarisirwa nehurumende muchikamu chechipiri kana kuti Level 2.

Mukuru musangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Dr Israel Murefu, vanoti kune mamwe makambani kana mbaramatonya hairovi zvakadaro padanho rekuti vabhadhare mari yekuti vashandi vavhenekwe coronavirus.

Dr Murefu vati makambani akawanda haasati avhura.

Gurukota rezvemaindasitiri, Dr Sekai Nzenza, vakatenda kubepanhau reHerald kuti kuvhenekwa kwecovid19 kuri kudhura uye zvikwanisiro zvacho zvishoma.

Munyori mubazi rezvehutano, Dr Agnes Mahomva, vati vange vari mumusangano.

Mukuyedza kumutsiridza nyaya dzezvehupfumi, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa ,vakaumba homwe yemari kuti ibatsire vemabhizimisi.

Muzvinabhizimisi uye vakambotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaOswell Binha, vanoti VaMnangagwa vakaisa parutivi mari inosvika mabhiyoni gumi nemasere kubatsira vemabhizimisi.

Asi vanoti zvekuti vemabhizimisi vabhadhare zvekuvheneka coronavirus zvinorema parizvino.

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti hurumende yakangoita fungira mumoyo rwendo rwembwa. Vakurudzira vashandi kuti vasaende kumabasa kana zvinhu zvisina kugadziriswa.

VaMangwana vaudza bepanhau reHerald kuti vave kuzobvumidza mamwe mabhazi makuru anosimbotakura vanhu panzendo refu kuti ambotakura vanhu mamadhorobha kana aine tsama uye achifanira kugezwa nemushonga kaviri pazuva.

VaMoyo vashorawo nyaya yekuti makambani anzi avheneke vashandi.

Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter VaMangwana vakati bazi rezvehutano rainge rasarudza nzvimbo dzekuvhenekera vashandi dzinosanganisira zvipatara zvemakereke nemakambani akazvimirira.

Asi Dr Mahomva vaudza Studio 7 kuti vange vari mumusangano nekudaro havakwanise kupindura mibvunzo yedu.

Vashandi vari kuchema chemawo kuti mapurisa nemauto ari kuvadzikisa pamaroadblock kunyangwe vachinge vavaudza kuti vanofanira kutanga vasvika kubasa kuti vapihwe tsamba dzekufambisa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vakaudza Studio7 kuti dzimwe nyaya dzekuti vari kutadzisa vanhu kuenda kumabasa vaine matsamba mayepo kunyangwe vakati vachataura nevamwe vakuru vemapurisa nemauto kuti zviri kunetsa zvigadziriswe.

Mabhizimisi anonzi ashande kubva nenguva dzesere mangwanani kusvika dzetatu masikati kana kuti 8am kusvika na 3pm.

Vashandi vari kusungirwa kupfeka zvidziviriro kana kuti maface mask uye kushanda vari kure nakure pamwe nekuvhenekwa kuti havasi kupisa muviri here.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG