Accessibility links

Breaking News

Dhora reZimbabwe Roramba Richishaya Simba Uku Mitengo Ichiwedzerwa Zvakanyanya


Dhora remuZimbabwe riri kuramba richishaya simba zvinotyisa richienzaniswa nerekuAmerica kunyangwe hazvo makambani akawanda anoda mari yekunze akavhara kana kuti ari kushanda pazvikamu zvishoma izvo zvopa kuti kurudziro yehurumende yekuti mitengo yezvinhu ideredzwe kusvika payaiva musi wa25 Kurume ive zviroto.

Hurumende inoti yakatara kuti dhora rekuAmerica ritengwe nemadhora makumi maviri nemashau emunyika asi pamukoto panotenga vakawanda dhora rekuAmerica rave kutengwa nemari inodarika madhora makumi mana nemasere emunyika.

Hurongwa hwehuruumende hwekuti vemabhizimisi vaderedze mitengo hwabva hwaita zozorizozo mutsindo wejongwe unonzwikwa neari paduri sezvo kwangove kurova bembera pasina chinobuda. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti zvingatove nyore ngamera kupinda muburi retsingano pane kuti mitengo idzike.

Asi gurukota rinoona nezvemaindustry Doctor Sekai Nzenza vanoti hongu dhora riri kudonha asi hurumende haina kuita fungira mumoyo rwendo rwembwa panyaya iyi sezvo yakagara pasi nevemabhizimisi vakabuda nechisungo chimwe chete.

Mashoko aya atsinhirwa nemutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu avo vanoti havo vazviona kuti na’i kwadzo ndedzemucheche dzomukuru dzinoreva kudya vachiti vamwe vemabhizimisi munyika vajaira kuona veruzhinji vachinonga svosve nemuromo.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ Dr Israel Murefu vanoti ivo havana havo kukokwa panhaurirano idzi. Asi vanoti kunyangwe havo vasinei nemuchato wedhongi nebere, zvinhu zvakaoma kudzikisa mitengo parizvino.

Vakawanda munyika vanoti vave kutadza kudya sezvo voita sekunge mombe dzakaiswa zvikandira pamuromo kuti dzisadye zvirimwa. Kubva zvanzi vanhu vagare mudzimba, mitengo yabva yakwira kurudziro yehurumende kukava kurava mbudzi nedzisipo kurava nedzavamatowo. Muzvitoro zvinhu zvakazara asi kune vakanda, kugara kwachura mumvura handi kunwa. Vataura neStudio 7 vanoti idambudziko rehope kurota kwawakarambwa.

Uye zvave kuitwa nehurumende ishungu dzemutana waswera padare kuramba mhandire seane meno.

NeMuvhuro, Delta Corporation yakawedzera mutengo wedoro nezvikamu makumi manomwe kubva muzana.

Mune zvimwe zvitoro makirogiramu maviri eshuga ave kutengeswa nezana remadhora kubva pamadhora matanhatu nemanomwe. Makirogiramu maviri emupunga ainge achiita madhora makumi matanhatu ave kuita zana remadhora nemakumi mana. Marita maviri emafuta ekubikisa ave kutengwa nazana remadhora nemasendi makumi masere mune zvimwe zvitoro.

Vakawanda munyika vataura neStudio 7 vati havo zuva igore rinodoka rava marevo mavi namavuya, sezvo dima richishura chayedza. Vanoti kupera kwechirwere checoronavirus kuchapa kuti vawanewo chekubata sezvo vanenge vodzokera kumabasa nekuti kuda kutarisira kuti mitengo ichadzika kuchengetesa bere chitunha.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG